PAX NINDI: Pax Music
POVO
Povo in Brazil means People and in Zimbabwe (Shona) it means the common people. This song has been inspired by the Povo of Brazil whom for the last 3 years have been very excited and welcoming Pax Nindi music in the country especially the live concerts. In Zimbabwe the Povo were the first inspirers of what became Harare dread sound. This mix is an instrumental pre release Pax Nindi aka Harare Dread
POVO
by Pax Nindi
Ndinofara nekuti ndiri Povo Ndinofara kana ndine Povo Hapana zvinofamba pasina iyoyo Povo Inzwayi kuimba kunyatsoshaura Povo Kana pane vamwe vanonzi vatongi Vanofarira kuti vavhoterwe nhasi uno Ini ndinoti havombo budirira vasina Povo Kufadza rwuzhinji rwevanhu nechokwadi Kutaura zvokwadi musinganyepere Povo Kana muchida kubudirira teererayi isu Povo Kana pane avo vabudhirira mumabasa avo Kana vayimbi, vakapfuma se Mc Donalds Kana mungave ve computer sa Bill Gates Kuti izvo zvamuri kuita kuti zvibudhire Munotofanira kuwuya kwa tiri isu Povo Ndisu tinoita kuti zvese zvifambe chaizvo Zimbabwe ruins yakavakwa nesu Povo Chitima chemoto chakavakwa nesu Povo Buckingham Palace yakavakwa nesu Povo Magetsi uko ku Kariba ndisutakavaka Povo Vana baba, vana mai, vese vanoziva tiri Povo Vakomana. Vasikana vese vanoziva tiri Povo Poooooooovo
Look at the world, its all povorised As the Povo work so hard to get the world going In the favelas in Rio, Salvador Pernambuco The shanty towns in Joburg, Harare, Lagos, Lilongwe The neighbourhoods in the United States of America In every city around the world there is the Povo Trying to make ends meet while the politrictions push for a vote Finding it hard to survive while the corrupt leaders wine and dine The real people, as common as they can be are watching Watch your step we are the Povo We will get you if you are bad Bless you if you are as good Pooooooooovo
Musati devedze ku rally kana muchida kutinyepera Musafunge kuti takapusa nekuti isu tiri Povo Matambudziko hahazi matsva kwatiri isu Povo Nhamo dzasvika hadzisi dzitsva kwatiri isu Povo Kunyangwe zvichinetsa tino gara taka fara Povo Kunyangwe mukatirova ticharamba tichitaura Kutaura chokwadi nekubatsirana tinofarirana Kubatsirana nekugara tese ndozvinotisimbisa Mukaramba kuti batsira tichabatsirana Povo Kutadza kutibatsira ndokupera kwesimba renyu Poooooooooooooooooooovo
© pax nindi 2010
